Hurumende Yopikisa Kuchenurwa Kwakaitwa VaSikhala neMatare eDzimhosva

  • Thomas Chiripasi

Hurumende yakwira kudare repamusoro-soro reSupreme Court ichipikisa kuwanikwa kwakaitwa mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vasina mhaka pamhosva yavaipomerwa yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Magweta ehurumende asvitsa kudare reSupreme Court mapepa ekupikisa mutongo wakaturwa nedare repamusoro kuMasvingo iro rakawana VaSikhala vasina mhosva.

VaSikhala vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende iri kutsvaga uta nemugate. VaSikhala vati zviri kuitwa izvi inzira yehurumende yekuedza kumbunyikidza hutungamiri hwebato ravo.

Zvichakadai, mapurisa emuHarare asunga kanzura weMabelreign, VaDenford Ngadziore, maererano nekuratidzira kwakaitwa nevechidiki veMDC pakati pedhorobha reHarare svondo rapera.

VaNgadziore, avo vasungwa vari pamatare eMbare Magistrates Court pavanga vachifambira imwe nyaya yekusungwa kwavakaitwa zvichitevera kuratidzira kwavanonzi vakaita pamatare eHarare Magistrates Court muna Gunyana gore rapera, vaudza Studio7 vari munzira kuendeswa kukamba yeHarare Central kuti mapurisa ati avasungira kuratidzira kwesvondo rapera uko kwakaitwa varatidziri ava vasina kupihwa mvumo nemapurisa.

Gweta raVaNgadziore, VaJeremiah Bamu, vaudza Studio7 kuti VaNgadziore vanga vasati vapomerwa mhosva zviri pamutemo pataenda pamhepo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi