General Electric Yotarisa Nzira dzeKuita Bhizimisi muZimbabwe

Vakuru vakuru vekambani yeku America yeGeneral Electric vanonzi vari kushanya muZimbabwe kuzotsvaga kuita mabhizimisi.

Mumiriri we America muZimbabwe, VaHarry Thomas, vakataurawo mashoko aya padandemutande ravo reTwitter vachiti vainge vaita musangano nevakuru veGE.

Izvi zvinotevera kuridziro yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti Zimbabwe yagadzirira kudyidzana nedzimwe nyika.

General Electric ikambani inokosha madhora anopfuura mabhirioni zana nemakumi maviri nemaviri uye inogadzira zvinhu zvakawanda kubva kune zvemagetsi, mainjini emota nendege kusvika kumafiriji nezvimwe zvinoshandiswa mudzimba.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Elliot Masocha, avo vanodzidzisa kuOhio muno mu America, vanoti Zimbabwe yave nemumwe mukana wekugadzirisa nyika munyaya dzezvehupfumi vachiti vanofara nezvinoda kuitwa neGeneral Electric.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha