Vari Kushungurudzwa Mudzimba Vokurudzirwa Kumhan’ara kuMapurisa

  • Blessing Zulu

Madzimai vachiratidzira

Mutungamiri wesanagno rePerch Media, VaCollen Mangobeya, vari kukurudzira vanhu vari kushungurudzwa mudzimba munguva yekuvharwa kwenyika nepamusana peCovid-19 kuti vamhan’are kumapurisa kana kumasangano anobatsira madzimai nevanasikana kunyanya.

Masangano ari kurwisa mhirizhonga mudzimba anosanganisira reAdult Rape Clinic, Msasa Project, nemamwe.

Masangano aya anoti vana vanenge vachishungurudzwa mudzimba vanokwanisa kufona panumber dzinoti 116 kuitira kuti vawane rubatsiro rwechmbi chimbi.

Ongororo yakaitwa neAmerican Journal of Emergency Medicine nebazi reUnited Nations Women inoratidza kuti munguva yeCovid-19, nyaya yemhirizhonga mudzimba iri kuwedzera zvakanyanya pasi rose.

MuZimbabwe gore rapera Musasa Project inoti yakatambira nhare dzakawanda dzinosvika mazana manomwe nemakumi matanhatu neina kana kuti 744 mumazuva gumi nerimwe ekutanga kwekunzi vanhu vagare mudzimba zvichienzaniswa nemazana mashanu kusvika pamazana matanhatu kana kuti 500 to 600 pamwedzi vanhu vasati vave kunzi vagare mudzimba nepamusana peCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCollen Mangobeya