FOZEU Inoita Musangano weKutarisa Matambudziko eVarairidzi neZvingaitwa Muna 2022

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro veFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, uye vari mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure.

Mubatanidzwa wemamwe masangano mana anomirira varairidzi, weFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, neSvondo wakaita musangano wekuzeya matambudziko akasangana nevarairidzi mugore rino ra 2021, uye kuti matambudziko aya angagadziriswa sei mugore rinouya ra 2022.

Sacgigaro veFOZEU uye vari mutungamiri weAmalagamated Rural Teachers' Un’on of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti dzimwe dzenyaya dzakazeyiwa mumusangano uyu dzinosanganisira kukundikana kunyoreswa kwesangano reFOZEU kuti ringe richicherechedzwa nemushandirwi, izvo vanoti zviri kutadzisa sangano iri kupinda mumisangano nemushandirwi, anove Public Serice Commission.

Vanoti zvimwe zvavakazeya hurongwa hwekuti sangano iri risangane nemakomiti eparamende anoona nezvedzidzo, vashandi nemabasa pamwe nezvemari neMuvhuro Unouya kuti vashambadze nezvegwaro reFOZEU riri pamusoro pezvinofanirwa kuitwa munyaya dzedzidzo, kunyoreswa kwebvunzo pamwe nedenda reCovid-19 muzvikoro.

Imwe nyaya ndeyekuti varairidzi vadzoserwe pamihoro yavaiwana muna Gumiguru 2018 yaive mumadhora ekuAmerica.

Mussangano uyu unonzi wakapindwa nemasangano anoti ARTUZ,EUZ,PEUZ ne PTUZ.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure