VaChombo Vanoburitswa Mujeri Mushure Mekubhadhara Mari yeChibatiso

VaIgnatius Chombo.

Gweta riri kumirira vaimbove gurukota rezvemari, uye vaive munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaIgnatius Chombo, Professor Lovemore Madhuku, vanoti VaChombo vakazokwanisa kuburitswa mujeri neChishanu mushure mekubhadhara mari yechibatsiro yakatarwa nedare pamwe nekusvitsa kudare pasipoti yavo pamwe nemagwaro emba yavo.

VaChombo vatove kumba kwavo nemhuri yavo.

Professor Madhuku vanoti vane idi rekuti VaChombo vachawanikwa vasina mhosva pavachadzokera kudare redzimhosva, vachiti dzimwe mhosva dziri kupomerwa VaChombo dzave dzakare kwazvo zvekuti dzinogona kuraswa nedare.

VaChombo vari kupomerwa mhosva yehuori uye kushandisa chinzvimbo chavo zvisina kunaka.

Professor Madhuku vanoti VaChombo vakanzi vadzoke kudare nemusi wa 8 Ndira gore rinouya.

Vakabvisiswa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora uye kuti vazviratidze kumapurisa katatu pazuva.

Dare rimwe chete iroro rakabvisisawo vaimbove munyori muboka revechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga, mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora uye kuti vazvipire kukamba yemapurisa kaviri pazuva.

Gwaro ravo rekufambisa kunze kwenyika rakambotorwawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Professor Lovemore Madhuku