WFP Yotanga Kupa Rubatsiro rweChikafu Mwedzi Uno

  • Blessing Zulu
Sangano reWorld Food Progam, WFP, rinoti riri kutanga mwedzi uno Gumiguru kubatsira kupa chikafu vanhu voziya nenzara mumatunhu akawanda munyika.

Mutauriri weWFP, Amai Victoria Cavanagh, vanoti chirongwa ichi chave kutanga kunyange vasati vaunganidza havo mari yose iri kudiwa. Vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana maviri

Nyaya yekusamira zvakanaka kwakaita nyaya yehupfumi munyika dzakabudirira dzinopa runyararo iri kutyirwa neveUnited Nations kuti inogona kukanganisa nyaya yekubatsira vanhu nezvekudya.

Asi hurumende yeAmerica neCanada dzatanga kubatsira Zimbabwe. Hurumende yakatengawo chimwe chibage kuZambia. Asi gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vanoti hurumende iri kutatarika kuwana mari yekutakura chibage.

Matura eZimbabwe anonziwo haachina chibage uye chasara chinopedza mazuva mashanu chete.

Nzvimbo dzinoda chikafu iMatabeleland South, Matabeleland North, Masvingo, Manicaland neMidlands.

Izvi zvapa kuti mutengo wechibage ukwire kunzvimbo dzakawanda kumaruwa.

Mukuru we Christian Care rimwe sangano rinobatsira nechikafu, VaStanlus Chatikobo, vanoti vagadzirira kupa vanhu chikafu vachishanda neWFP.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStanlus Chatikobo