Chikwata cheFC Platinum Chinoti Hachisi Kutenga Vatambi Vakawanda Mwaka Unouya

  • Michael Kariati

Chikwata chenhabvu cheFC Platinum ndicho chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League wemwaka uno wa 2019.

Chikwata cheFC Platinum chinoti hachisi kutenga vatambi vatsva vakawanda panguva yezororo chakatarisana nekutatarika kwachiri kuita mumakundano eCaf Champions League.

Murairidzi wechikwata ichi Lizwe Sweswe anoti ari kugutsikana nevatambi vaanavo zvekuti ari kuona zvakakosha kuti vasatenge vatambi vakawanda vane mbiri.

Asi Sweswe haasi kuramba kana kubvuma kuti chikwata chake chiri kuda kutenga Prince Dube weHighlanders naRalph Kawondera weTriangle izvo zvapararira nyika yese.

Sweswe anoti kune vakawanda vanga vachimutarisira pasi asi ane nhoroondo yakasimba munyaya dzenhabvu muZimbabwe kunyange ave kuzivikanwa nezvaaita izvi.

FC Platinum yakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League mushure mekurova Caps United ndokupedza iine mapoinzi makumi matanhatu namaviri, mapoinzi matatu pamusoro peChicken Inn, iyo ine mapoinzi makumi mashanu nemapfumbamwe.

Sweswe anoti kutamba kwavo muCaf Champions League kwakavabatsira zvikuru kuti vatore mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kwemakore matatu akkateverana.

Caps United ndiyo yakapedza iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi mashanu nemasere.

Muteveri wechikwata che FC Platinum VaBenard Mujazi vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro akaita zvinhu vachiti ivo vaikodzera kutora mukombe mukuru uyu.

Mukupera kwemitambo yemwaka uno, Chapungu, TelOne, Hwange neMushowani Stars ndidzo dzakakundikana kuramba dziri muzvikwata zvepamusoro zvichireva kuti dzave kuenda kuDivision One.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati