Varimi VemuZimbabwe Voronga Kurima Pfuta Kuti Vawandudze Hupfumi

  • Blessing Zulu

Pfuta

Mukuru wekambani yeLife Brand Agriculture Services, VaIsrael Isdory Kembo vanoti vave kushanda nevarimi kubva mumatunhu ose emunyika kuti varime chirimwa chepfuta icho vanoti chinoshandiswa mukugadzira zvinhu zvakawanda kusanganisa mafuta ekubikisa nekugadzira mishonga yekurapa vanhu. India ndoimwe nyika pasi rino inokurudzira kurimwa kwepfuta iyi uye ichiwana mari yakawanda kubva muchirimwa ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaIsrael Kembo

Pfuta inonzi inokwanisawo kushandiswa zvinhu zvinodarika mazana matatu sezvo zvose zviri pachirimwa ichi zvinosangana mazhizha, midzi, mhodzi nezvimwe zvichikwanisa kushandiswa mukugadzira zvinhu zvakasiyana siyana. Pfuta inogona kushandiswawo kuwedzera mafuta ekufambisa dzimotokari.

VaKembo vanoti pahekita yega yega varimi vanokwanisa kuwana mari inosvika zviuru makumi maviri nemashanu.

Vanoti kambani yavo ndiyo inenge ichitenga chirimwa ichi kubva kuvarimi avo vapawo mbeu. Vanotiwo chirimwa ichi hachinetse kurima.