Dzidziso yeNhomba yeCovid-19 Yokurudzirwa Kupihwa Veruzhinji

  • Blessing Zulu

Hurumende inokurudzirwa kupa vanhu ruzivo rwakakwana pamusoro penhomba yeCovid-19

Mukuru wesangano riri kudzidzisa veruzhinji nezvechirwere cheCovid-19 rePerch Media, VaCollen Magobeya, vanoti vapedza kubayiwa nhomba dzavo mbiri vachiti semunhu anoshanda neveruzhinji zvinovabatsira kuti vasatapurirwa kana kutapurira vamwe chirwere.

VaMagobeya vanoti havo dzidziso ichiri kudiwa kuitira kuti veruzhinji vanzwisise nezvenhomba iyi kuitira kuti chirwere ichi chisadzoke zvakare zvine hukasha.

Zimbabwe ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi.

Asi vanhu vabayiwa nhomba iyi kusvika pari zvino vachiri vashoma zvichienzaniswa nevanotarisirwa kunge vabayiwa. Mukuzeya nyaya iyi, tabata VaMagobeya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCollen Mangobeya