Kubaiwa kweNhomba Kunopinda Muzuva reShanu muZimbabwe

  • Safari Njema

Covid 19 Vaccination Card

Chirongwa chekubaya vanhu che COVID-19 chapinda muzuva reshanu nhasi vanhu vashoma vachibayiwa nhomba iyi.

Mumwe vevashandi abaiyiwa nhomba nhasi asina kuda kudomwa zita rake ati ange aine kutya kukuru asati abayiwa asi iye zvino hana yake yadzikama.

Mumwe mushandi wezvehutano asina kuda kudomwa nezita rake atiwo zvakakosha kuti ruzhinji rwubayiwe nhomba senzira yekudzivirira chirwere che COVID-19.

Mumwe mushandi wezvehutano anoti agutsikana pamusoro pemaitirwo ari kuitwa basa pakubayiwa kwenhomba.

Zvichakadaro, mumwe mushandi wezvehutano ati haana kusununguka kubayiwa nhomba nepamusoro pekuti haana ruzivo rwakakwana nezve sinopharm vaccine.

Mumwe mushandi mubazi rezvehutano ati anoona zvakakosha kuti pamboonekwa kuti nhomba inoshanda sei kune vari kubayiwa.

Mumwe mushandi wemuhurumende anoti hazviite kuti azvipire kubayiwa nhomba.

Mutauriri mubazi rezvehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, VaDonald Mujiri, vati chirongwa chekubayiwa nhomba chiri kufamba zvakanaka uye havasati vanzwa zvakaipa zvati zvaitika kubva musi wachatanga.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vabayiwa nhomba iyi munyika yose vainge vave zviuru gumi nechimwe nevanomwe.

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu makumi matatu nevana vakabatwa nacho chirwere ichi nezuro wakare.

Chirwere ichi chauraya vanhu chiuru nemana mana nemakumi mashanu nevasere, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose, vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevana, 35994.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Safari Njema