United Nations Yobatsira Vanhu Vakawirwa neDambudziko reMafashamu eMvura

  • Blessing Zulu

Bazi reUnited Nations rinoona nezverubatsiro rwechimbi chimbi, re Central Emergency Response Fund, rakapa neChitatu hurumende yeZimbabwe mari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu zvemadhora yekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Mari iyi iri kutarisirwa kubatsira vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nemaviri nemazana matanhatu.

Vanhu ava vari mumatunhu makumi maviri enyika kusanganisira Matabeleland, Masvingo, Midlands uye Manicaland.

Vehurumende neUnited Nations vanoti vanhu vanodarika mamiriyoni mana vanoda rubatsiro.

Mari iri kudiwa kubatsira vanhu ava inosvika mamiriyoni zana nemakumi masere nemapfumbamwe emadhora.

Mukuru weCivil Protection Department, VaNathan Nkomo, vanoti vachashanda nemasangano anopa rubatsiro aya kugovera vanhu rubatsiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNathan Nkomo