Vagari vemuHarare Vonyunyuta neNguva Dziri Kudzimwa Magetsi neZESA

  • Jonga Kandemiiri

ZESA yakazivisa nezvekudzimwadzimwa kwemagetsi nekuda kwekudzikira kwemvura mudhamu reKariba, uye kusashanda zvakanaka kwemichina yekuHwange.

Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, Harare Residents Trust, rinoti vagari vari kushushikana zvikuru nekusateverwa kwenguva dzakaziviswa nekambani yemagetsi ye Zimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company kuti ichange ichidzima nekubatsidza magetsi, vachiti magetsi ari kudzimwa kwenguva ndefu uye dziri kunze kwedzakaziviswa.

Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti izvi zvave kuita kuti vagari vatadze kuronga zvinhu zvavo zvakanaka, sezvo magetsi aya ari kungoenda kana kudzoka chero nguva, kwete dzakatarwa.

VaShumba vanoti sangano ravo riri kutarisirawo kugara pasi nekambani yemagetsi iyi kuitira kusvitsa zvinyunyuto zvavo.

Vanoti nekuda kwekuti magetsi haasi kuwanikwa, vagari vazhinji vave kushandisa mhando dzemoto dzakaita segasi nembhaura, izvo zvavanoti zvinogona kunge zviine njodzi huru kana zvakasabatwa zvakanaka.

Vanotiwo mutengo wegasi unenge wakabva wakwidzwawo zvichitevera kunetsa kwemagetsi uku, izvo zvave kuita kuti vagari vazhinji varemerwe.

VaShumba vanoyambirawo vari kushandisa mbhaura vachiti vasaishandisira munzvimbo dzisina mhepo yakakwana, sezvo utsi hwacho kuchikuwadza hutano kana kuuraya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrecious Shumba

Asi mutauriri wekambani yeZimbabwe Electricity Supply Authority, VaFullard Gwasira, vanoti nguva dzekudzimwa kwemagetsi dzavakazivisa hadzirevi kuti hadzishandurwe sezvo dziri dzekungoti vanhu vashande nadzo.

VaGwasira vanoti kambani yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company iri kuedza napose paingona kuona kuti vagari vawana magetsi nguva dzakakodzera, asi mune dzimwe nguva zvinozoitika zvinenge zviri kunze kwehurongwa hwavo.

Vanotiwo mamwe matambudziko avakatarisana nawo kunze kwekushomeka kwemvura mudhamu reKariba, ndeekubiwa kwemafuta mumichina yavo kana kukanganiswa nevanhu, uye kushaikwa kwemari yekunze.

ZESA yakazivisa nezvehurongwa kwekudzimwadzimwa kwemagetsi ichiti mvura yadzikira zvakanyanya mudhamu reKariba, uye kusashanda zvakanaka kwemagwenya ayo kuHwange.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFullard Gwasira