Zanu-PF Yoita Sarudzo dzeMatunhu Paine Mutauro

  • Blessing Zulu
Vakuru vebato reZanu-PF neChishanu vakaswera vari mumisangano yechimbi chimbi mumatunhu ose vachiedza kugadzirisa nyaya yebopoto ramuka mubato iri nenyaya yesarudzo dzematunhu dziri kuitwa neMugovera.

Matunhu manomwe ndiwo ari kuita sarudzo sezvo mamwe matutu akaita kare.

Sachigaro weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vange vachitungamira misangano yakawanda nekunzwa zvichemo kubva kumatunhu ose uko kwange kuchiitwawo misangano yekuyedza kugadzirisa kunetsana kwapinda mubato.

Hatina kunzwa kubva kuna VaKhaya Moyo sezvo vange vari mumusangano.

Sarudzo idzi dzainge dzambomiswa nenyaya yekunetsana pakati pevanonzi vari muchikwata chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nechiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavari kutungamnira muZanu-PF.

Politiburo yebato iri yakasangana neMugovera ikatambira sarudzo dzekuManicland, Mashonaland Central neMidlands dzairamba kutambirwa nechikwata chaVaMnangagwa chainge chakundwa mumatunhu aya.

Vakakundwa vanoti paitengwa mavhoti, kutyisidzira vanhu uye kushandiswa kwegwaro revavhoti risina kujekadunhu rega rega riri kusarudza vanhu zana nevaviri vanenge vachitungamira bato mumatunhu.

Sarudzo idzi dzakakosha nekuti vanenge vasarudzwa apa ndivo vachazosarudzawo vatungamiri vebato vatsva pamusangano wecongress gore rinouya. Vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi VaAmos Midzi muHarare naVaPhilip Chiyangwa kuMashonaland West varamba kutaura nezvesarudzo idzi.

Asi Retired Major Bernard Mazarire mumwe wevaiva muchiuto vana vari kukwikwidza musarudzo dzekuMasvingo vanoti zvinhu zvinenge zvave nanani rwendo rwuno.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoti Zanu-PF yatadza kugadzirisa matambudziko ayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Mazarire


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge