MDC-T Inoti Haisi Kuzoenda kuParamenda Paichavhurwa Zviri paMutemo naVaMugabe

  • Blessing Zulu
Bato reMDC-T rinoti harisi kuzopinda mudare reparamende nemusi weChipiri apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachavhura dare reparamende zviri pamutemo.

MDC-T inoti VaMugabe nebato ravo reZanu-PF vakabirira sarudzo dzakaitwa munyika.

Asi nhengo dzedare dze MDC-T idzi dzinoti dzichatora hadzo mhiko, iyo inotoreswa nemunyori wedare reparamende.

MDC-T inoti haisi kuzopinda musarudzo dzekutsvaga mutauriri wedare reNational Assembly. Zanu-PF inonzi yadoma zvakare VaJoram Gumbo, avo vaive mukokeri weZanu PF muparamende, kuti vaite zvakare mukokeri webato iri. VaJacob Mudenda ndivo vanonzi vachange vari mutauriri wedare reNational Assembly.

Zvinonziwo Amai Edna Madzongwe vachidzoka kuita mutungamiri wedare reSenate. Zvinonzi

VaTsvangirai neNational Council yebato ravo vaimbenge vati havadi kupinda mudare reparamende zvachose vachiti kuita izvi kudziya moto wembavha. Asi izvi vakazozvirega vachiti vanoda kurwa vari muparamende vachimirira vatsigiri vavo vakavasarudza..

Aka hakasi kekutanga dare reparamende richitanga riine mutauro. Muna 2000 na2008 pakaitawo kunetsana kukuru veMDC vachinyunyuita nenyaya yemhirizhonga. Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havasi kufara nekuti sarudzo dzakabarirwa.

VaGumbo vanoti zviri kuitwa neMDC-T hazvina nematuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoram Gumbo



Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, avo vanoti bato ravo richapinda mudare reparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNhlanhla Dube