Britain Inoti Sarudzo Dzakaitwa muZimbabwe Ngadziongororwe

  • Blessing Zulu

David Cameron

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, VaWilliam Hague, vanoti panofanira kuitwa ongororo nesangano rakazvimirira roga yekuferefeta nyaya yekuti sarudzo dzemuZimbabwe dzinogona kunge dzakabirirwa.

VaHague vanotiwo vari kushushikana kuti bato reMDC-T rakazobvisa mumatare nyaya yaro yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi.

Vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti SADC yakatambira zvakabuda musarudzo idzi.

Zanu-PF yaimbenge yarova bembera ichiti mutungamiri wehurumende yeBritain, VaDavid Cameron, vaizoumba hukama nayo.

Mashoko eBritain anoteverawo eAustralia ekuti sarudzo idzi dzidzokororwe.

Sangano reEuropean Union rinotiwo richapa Zimbabwe mwedzi mitanhatu yekuona kuti iri kuvandudza zvinhu here kana kuti kwete, yozotora danho rekubvisa kana kusabvisa zvirango zvasara.

EU yakabvisa vamwe vatungamiri veZanu-PF, mapurisa nemauto pazvirango asi ikasiya VaMugabe nevamwe vashoma vari pazvirango.

Asi vachitaura kuNational Sports Stadium pakutoreswa mhiko neChina, VaMugabe vati havanei nemashoko evekunze ava.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti Britain iri kuita zvinofanira kuitwa chaizvo sezvo sarudzo idzi dzisina kufambiswa zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Mashiri