America Inosunga Varume Vaviri Vaida Kubatsira VaMugabe Kuti Vabviswe paZvirango

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe

Varume vaviri vemuAmerica vari kumiswa pamberi pedare muChicago vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo weAmerica panyaya yezvirango muna 2008 na2009 vachiyedza kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vabvisirwe zvirango nenzira dzisina kururama.

Vaviri ava, VaPrince Asiel Ben Israel naVaC. Gregory Turner, vanonzi vainge vanzi vaizopihwa nehurumende yeZimbabwe mari inosvika mamiriyoni matatu nemazana mana ezviuru zvemadhora, US$3, 4 million mukuita basa iri.

Vaviri ava vanonzi vakatyora mutemo weAmerica weInternational Emergency Economic Powers Act vachinzi vaida kuronga kuti vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe vapote vachizoita misangano nevatungamiri venyika yeAmerica nevamwe vamiriri mumatare maviri eparamende.

Vakabatwa nemhosva varume ava vanogara mujeri kwemakore makumi maviri.

Pamutemo weAmerica hazvirambidzwe kuita misangano inokurudzira kuti zvimwe zvinhu zviitwe, asi kuda kuzoita basa rekuti zvirango zvibviswe munhu achibhadharwa hazvitenderwi.

VaBen Israel naVaTurner vanonzi vaivimbisawo VaMugabe kuti vainge vaine simba rekuti vaudze mutungamiri weAmerica ainge agadzwa muna 2009, VaBarack Obama, vabvise zvirango zvakatemerwa vakuru muhurumende yaVaMugabe uye kuti vasasaine mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZDERA.

ZDERA inoti America, kusanganisira zvizvarwa zvayo, hazvifanirwe kuita bhizinesi naVaMugabe, hurumende yavo, pamwe nevamwe vakuru muZanu PF vari pazvirango.

Asi izvi zvakakona n’anga murapwa achida sezvo kubva zvavakagadzwa semutungamiri weAmerica, VaObama vakaramba vakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango izvi.

Vamwe vari kunzi vaiita misangano iyi vanosanganisa VaSimon Khaya-Moyo vaive mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa. Vamwe vari mumapepa aya, mumwe aive mumiriri weZimbabwe kuChina asina kudomwa nezita uye gurukota rezvezvicherwa.

Panewo misangano yakaitwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmerrson Mnangagwa, apo vakanga vari gurukota rezvedzimba, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozane Khupe.

Muzvare Khupe vanonzi vakashandiswa parwendo urwu senzira yekuratidza zvinhu zvakange zviri kufamba zvakanaka muhurumende izvo zvaizopa kuti varongi vetsoro iyi vagutse vanhu vaizovabatsira mukti VaMugabe vabviswe pazvirango.

VaTurner naVa Ben Israel vanonziwo vakatombozama kuumba kambani inochera mangoda inoshanda neimwe kambani yehurumende kwaChiyadzwa.

Hatina kukwanisa kubata gweta raVaBen Israel, Amai Viviana Ramirez. Asi muchuchusi wenyaya iyi, VaRandal Samborn, vaudza Studio 7 kuti havataure nyaya iri mumatare.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vati havataure neStudio7 uye varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Asi vamwe muhurumende yaVaMugabe vanoti nyaya iyi yaunzwa panguva ino kuri kuda kusvibisa zita raVaMugabe. Vanotiwo hurumende yeZimbabwe haisati yapihwa mapepa enyaya iri kumatare iyi.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, vanoti nyaya iyi ikabuda iri yechokwadi zvingave zvinhu zvinonyadzisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Mashiri