NCA Inoti MDC Ngaitambire Zvakabuda Musarudzo

  • Blessing Zulu

madhuku

Sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, razivisa kuti riri kutambira zvakabuda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru uye rakurudzira mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai kuti vabvume kuti vakakundwa musarudzo idzi.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda wesangano ravo muHarare neMuvhuro, sachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku vati sangano ravo riri kufadzwa nemafambisirwo akaita sarudzo. VaMadhuku vakurudzira mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai kuti vabvume kuti vakakundwa musarudzo idzi sezvo vachiti sarudzo idzi dzakaitwa zviri pachena.

Vaenderera mberi vachukurudzira VaTsvangirai nebato ravo kuti vachitanga kuita gadziriro yesarudzo dzinotevera idzo dzataraisirwa kuitwa muna 2018.

VaTsvangirai vanotiwo vanhu vazhinji kumamisha vakatyikidzirwa kuti vavhotere Zanu-PF uye vanoti bato ravo richakwidza nyaya yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo idzi kumatare pamwe nekumasangano akaita seSADC neAfrica Union.

Nyika dzekumavirira dzakaita se Britain, Australia pamwe ne America dzinotiwo sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

Bato reku South Africa reDemocratic Alliance akarambawo kusaina gwaro reSADC Parliamentary Forum iro riri kuti sarudzo dzakafamba zvakanaka. Democratic Alliance inoti haisi kuzofa yakasaina gwaro iri sezvo ichiti sarudzo idzi hadzina kuitwa zviripachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi