Vaongorori Vanoti Sarudzo Dzaitwa Murunyararo Kunyange Paine Mutauro

  • Blessing Zulu

VaTomaz Salamao

Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti kunyange hazvo munyika mange muine runyarararo, kune dzimwe nzvimbo dzange dziine mutauro wakanyanya.

Sachigaro weZESN, VaSolomon Zwana, vanoti kune dzimwe nzvimbo vanhu vange vachimanikidzwa kuti vati havagone kunyora vovhoterwa nevanhu vanozivikanwa kuti ndeveZanu PF. VaZwana vanotiwo mapepa ekuvhota anonoka kusvika mune dzimwe nzvimbo.

Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti pane zvavaone nekunzwa kusvika pari zvino, zvinhu zvinenge zvange zviri kufamba zvakanaka kunyange hazvo kune dzimwe nzvimbo mapepa anonoka kuendeswa.

SADC yakaendesa vaongorori kunzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika, uye iri kutarisirwa kubuda negwaro rayo pamafambiro akaita sarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSolomon Zwana


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTomaz Salomao