WASHINGTON —
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kukwikwidza musarudzo yemutingamiri wenyika vakamirira bato ravo reMDC, vanoti vari kukunda zvine musarudzo dzeChitatu zvine mutsindo.
VaTsvangirai vanoti vanhu vanofanirwa kubva mumitsetse kana vachinge vapedza kuvhota. Vanotiwo vanhu havafanire kutya kutyisidzirwa nemasabhuku sezvinonzi nevamwe zviri kuitika mumaruva.
Mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, vanotiwo vanhu ngavabude nehuwandu hwavo hwese kuitira kuti vavhote zvine mutsindo.
VaNcube vanoti vanotarisira kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Ukuwo mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vakurudzirawo vatsigiri vavo kuti vabude kunovavhotera.
Sarudzo dzeChitatu dzichasvitsa kwamvura yacheka makumbo hurumende yemubatanidzwa yakaumbwa muna 2009 mushure mesarudzo yemutungamiri wenyika yechipiri iyo isina kuzoitwa zvakanaka nenyaya yemhirizhonga.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai