Magweta aVaMugabe neaVaTsvangirai Otatsurana paNyaya yeSarudzo

  • Blessing Zulu
Magweta emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe neemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakaswera vari chipatapata mumatare vachiendesa mapepa ekupikisana pamusoro pezuva resarudzo pamwe nemasimba aVaMugabe. Nyaya iyi ichatanga kunzwikwa mudare repamusoro soro reConstitutional Court neChina

NeChipiri magweta aVaMugabe neegurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, akatura mapepa kumatare achiti haatenderane nezvikumbiro nezvikonzero zvaipihwa naVaTsvangirai negurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, zvekuti sarudzo dziendeswe mberi kwete musi wa 31 Chikunguru sezvainge zvatarwa nedare iri.

VaTsvangirai vanoti VaMugabe vakaita zano ndega pakutara zuva resarudzo vasina kana kumbosuma dare remakurukota sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

VaTsvangirai vanotiwo VaMugabe vaifanira kuunza bhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo kudare reparamende kwete kungoshandisa masimba avo zvisiri pamutemo.

Asi magweta aVaMugabe anoti VaTsvangirai naVaNcube dai vaisada sarudzo vangadai vasina kuendesa mazita avo kudare reNomination Court uye chikumbiro chavo chikatambirwa zvichanetsa kuchizadzikisa nekuti hapachina dare reparamende.

Asi neChitatu magweta aVaTsvangirai akwirazve dare iri achipiksa mapapepa akaturwa nemagweta aVaMugabe neChipiri.

Nyaya iyi ichanzwikwa neChina yakabatana neyezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviviri, Amai Maria Phiri naVaNixon Nyikadzino avo vari kutiwo vanoda kuti sarudzo dziendswe mberi.

Gweta raVaMugabe, VaTerence Hussein vanoti VaMugabe vachatambira chero zvinenge zvabva kudare.

Gweta raVaTsvangirai, advocate Lewis Uriri vanoti zvakaitwa naVaMugabe kutyora mutemo uye sarudzo dzinofanira kuendeswa mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTerence Hussein


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLewis Uriri