South Africa Inoti Zimbabwe Ngaiende kuSADC Kana Ichida Mari yeSarudzo

  • Blessing Zulu
Gurukota rinoona nezvemari muSouth Africa, VaPravin Gordhan, vanoti Zimbabwe kana ichida kubatsirwa nemari yesarudzo inofanira kunyora tsamba kuSADC kwete kuhurumende yeSouth Africa.

VaGordhan vakataura mashoko aya mudare reparamende neChipiri pavaibvunzwa nezvechikumbiro cheZimbabwe chemari. Vakati SADC ndiyo inofanira kugara pasi kuti ione kuti Zimbabwe yobatsirwa sei.

SADC ndiyo mutongi gava pagakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Mashoko aVaGordhan anopesana neemutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaEbrahim Ebhrahim, avo vakati South Africa yakagadzirira kupa Zimbabwe mari.

Asi VaEbrahim varamba kutaura vachiti titaure naVaGordhan avo tisina kukwanisa kubata.

Vamwe vakuru vakuru muhofisi yebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa vanoti Zimbabwe haisati yakumbira mari zviri pamutemo.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vakakumbira mari kuSouth Africa neAngola yekuita sarudzo. hatina kukwanisa kunzwa kunaVaBiti sezvo vanonzi vari kuChina.

Zimbabwe inoda mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi matatu emadhora yekuita sarudzo.

Zimbabwe yaimbenge yakumbira mari yesarudzo kuUnited Nations asi Zanu-PF yakazodududza ichiti United Nations yainge yoda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Asi United Nations inoramba mashoko aya ichiti kushanya kwayo kwayaida kuita kuZimbabwe, zviri mumitemo yesangano iri kwose kwarinenge richida kupa rubatsiro.

Muoongorori wezvematongerwo enyika, uye vachishanda mubazi rezvekuburitwa kwemashoko muNational Constitutional Assembly, VaBlessing Vava, vanoti SADC ndiyo inofanira kunge ichibata nyaya yekuona kuti Zimbabwe yawana mari yekuita sarudzo dzakachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBlessing Vava