WASHINGTON —
Mabhanga akawanda evatema munyika anonzi akatadza kuunganidza mari iri kudiwa nebanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yekuti inge iri mumatura avo musi wa 31 Zvita gore rapera kana vasingadi kutorerwa marezinesi.
Vakuru muRBZ vanoti mabhanga makuru akaita seBarclays, Standard Chartered, BancABC, Stanbic neCommercial Bank of Zimbabwe akabudirira mukuunganidza mari iri kudiwa.
Asi mabhanga evatema akaita seZABG, Kingdon nemamwe ari kutatarika kuti awane mari dzinodiwa.
Mabhanga anosvika masere pamabhanga anosvika makumi maviri nemaviri ndiwo akabudirira kuti ange achiunganidza mari iyi. Vakuru veRBZ vanoti mabhanga akawanda achamanikdzwa kuti aite mushandirapamwe kana achikundikana kuunganidza mari idzi.