ZEC Yonyoresa Vanoda Kudzidzisa Vanhu Kuvhota

Sangano reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, riri kukoka masangano anoda kudzidzisa vanhu nezvekuvhota kuti anyorese musi wa 9 Gumiguru usati wapfuura.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano iri, Amai Joyce Kazembe, vanoti vari kuita izvi pasi pemutemo wezvesarudzo munyika, Electoral Act.

Mutemo uyu unoti ZEC inofanira kunyoresa vose vanenge vachida kudzidzisa vanhu nezvekuvhota musarudzo. ZEC ndiyo inoonawo kuti zviri kushandiswa nevanhu ava zvakamira sei uye kuti yozvitendedza here kana kuti kwete.

Mukuru wesangano rakazvimirira reElections Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti havaone ZEC ichiwana mari yekuti iite basa rekudzidzisa vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Chimhini