Vamwe Varairidzi Vanoti Hurumende Haina Kugadzirira Kuvhurwa Kwezvikoro

DoctorTakavafira Zhou, vePTUZ

Zvichitevera musangano wakaitwa kuMount Pleasant nezuro, pakati pemasangano anomirira varairidzi, vamiriri vehurumende nevamwe vanechekuita nezvedzidzo, sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), rinoti zviri pachena kuti hurumende haina kugadzirira zvakakwana kuti zvikoro zvivhurwe.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvezvunhu zvinofanirwa kugadziriswa zvikoro zvisati zvavhurwa kuwanisa varairidzi vose nevana vechikoro ma ‘mask’ uye kuona kuti mabhenji muzhikoro anoenderana nehurongwa rwokuti vanhu vagare vakatarangana.

Tatadza kubata gurukota rezvedzidzo kuti tinzwe divi ravo mune zvakataurwa mumusangano uyu asi Doctor Zhou vati hurukuro dzichiri kuenderera mberi sezvo pane kuwirirana kuti hutano hwevarairidzi nehwe vana vechikoro huchengetedzwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou