Hurumende Inoti Hachisi Chokwadi Kuti Vadzidzi neVarairidzi Vachamanikidzwa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19

  • Blessing Zulu

Hurumende inoti pane mashoko enhema ari kutenderera kuti zvikoro zvichavhurwa musi wa15 Kukadzi kuitira kuti vadzidzi nevadzidzisi vamanikidzwe kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti mashoko ari kufambiswa aya kuti ndizvo zvakarongwa kuitwa nebazi ravo ndeye manyepo.

Mashoko aya ari kuuya mushure mekunge mapurisa amboyambira vanhu kuti vasatenderedze mashoko enhema.

Nhomba yeCovid-19 yakatotanga kubayiwa kunyika dzakaita seAmerica neBritain uye haisi kumanikidzwa vanhu.

Vari kubayiwa pari zvino vashandi vemuzvipatara nevakwegura sezvo vari ivo vari munjodzi yakakura yekubatwa nekufa nechirwere ichi.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti ongororo yadzakaita inoratidza kuti nhomba iyi inokwanisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 chauraya vanhu vadanodarika mamiriyoni maviri pasi rose.

Nyaya yevanhu vari kuti nhomba iyi iri kumanikidzwa iri kushorwa zvikuru navanamazvikokota ichinzi ichatopa kuti vakawanda vatye kubayiwa vozoguma vorasikirwa nehupenyu uye chirwere ichi chichizoguma chotonetsa kurapa zvachose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClaris Madhuku