Hurumende Inodaidzira Musangano weChimbichimbi neVarairidzi

  • Jonga Kandemiiri

VaRaymond Majongwe

Hurumende inonzi yakoka masangano ose anomirira varairidzi kumusangano wechimbichimbi uchaitwa masikati, uyo unonzi uchapindwawo negurukota rezvedzidzo yepasi, VaCain Mathema.

Musangano uyu unouya panguva iyo masangano eZimbabwe Teachers’ Union neProgressive Teachers Union of Zimbabwe anga anyorera tsamba kuhurumende achinyunyuta nehurongwa hwekuda kuvhura zvikoro kuti vana vari kuda kunyora bvunzo dzavo dzepakati pegore vakwanise kunyora bvunzo dzavo.

PTUZ yakanyora tsamba nemuvhuro ichidawo kuita musangano naVaMathema, uyewo ichiratidza kunyunyuta kwayo nehurongwa hwekuda kuvhura zvikoro ipo pasina dziviriro yakakwana yekupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro, izvo zvinonzi nemasangano maviri aya zviri kushandiswawo senzvimbo dzekuchengetera vanhu vanenge vabva kunze kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe