Magetsi Otarisirwa Kuti Achadhura Munyika

  • Blessing Zulu

ZESA iri kuenderera mberi ichiita misangano nevagari nevemabhizmisi nechinangwa chekuti iwedzere mutengo wemagetsi ichiti mari yekugaya magetsi yave kudhura zvakanyanya.

Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vaudza Studio 7 kuti nekushomeka kwemvura, magetsi ari kubva kuKariba aderedzwa kubva pama megawatts mazana manomwe nemashanu kusvika pamazana mana nemakumi manomwe nemashanu.

Vatiwo kuHwange nekusashanda zvakanaka kwemichina inogaya marasha, magetsi adererawo.

VaGwasira vati izvi zvapa kuti ZESA itange kushandisa magwenya anoshandisa dhiziri kusanganisira riri kuDema uye vari kuda kuvaka rimwe kwaMutare.

Kambani iyi inotiwo iri kuda kubhadhara chikwereti chinosvika mabhiriyoni maviri emadhora chekunyika ye China. Vati kushandisa dhiziri kunodhura zvapa kuti vade kukwidza mari yemagetsi nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana.

ZESA yakatopedza misangano nevagari muHarare neChitatu , uye neChishanu inenge iri muBulawayo.

Mutungamiri weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagari vari kudya magaka mambishi vachiti havasi kuda kuti magetsi awedzerwe mutengo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrecious Shumba