Nzou Dzourayiwazve neMuchetura weCyanide

  • Blessing Zulu

nzou yakaurayiwa

National Parks inoti pane nzou gumi neimwe dzakaurayiwa nemuchetura wecyanide panzvimbo inonzi Number Nine neDeka Safari kuMatabeleland.

Mutauriri weNations Parks, muzvare Caroline Washaya-Moyo vanoti kusvika parizvino hapana munhu ati asungwa nenyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Caroline Washaya-Moyo

Asi mapurisa achishanda neNational parks anoti ari kuenderera mberi achiferefeta nyaya iyi. Dzimwe nyanga dzakabiwa asi dzimwe dzenzou shanu dzakatorwa neve National Parks.

Muna 2013 nzou dzinosvika mazana matatu dzakaurayiwa zvikuru kuHwange National Parks.

Ongororo yemapurisa inoti kubva muna Ndira kusvika muna Chikunguru, nzou dzinosvika makumi matatu nesere dzakaurayiwa nevanovhima zvisiri pamutemo ava.

Panonzi pakaurayiwawo shumba mbiri panguva imwe cheteyo.