African Development Bank Yokanganwirwa Zimbabwe Chikwereti

  • Thomas Chiripasi

Bhanga re African Development Bank kana AfDB nemusi weChipiri rakakanzura chikwereti chine Zimbabwe panguva iyo nyika iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo kumasangano anokweretesa mari.

Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakazivisa kuti bhanga re AfDB rakanzura chikwereti chine Zimbabwe chemari inoita mamiriyoni mazana matanhatu nerimwe emadhora ($601 million).

Zvakataurwa naVaChinamasa zvakatsinhirwa nemumwe mukuru webhanga iri VaSibry Tapsoda avo vari kutungamira chikwata che AfDB icho chiri kushanya munyika.

VaChinamasa vanoti mari yasendekwa parutivi nebhanga iri haisi kuzoshandiswa kubhadhara zvikwereti zvine Zimbabwe kumasangano anokweretesa mari akaita se International Monetary Fund kana kuti IMF pamwe nebhanga repasi rose re World Bank.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachisanda nesangao re Resource Exploitation Watch VaWashington Mehlomakulu vanoti kukanzurwa kwechikwereti kuchabatsira nyika zvakanyanya. Vanoti Zimbabwe ingewo yokwanisa kubhadhara zvimwe zvikwereti zvasara.

Kunyangwe havo vachitenderana naVaMehlomakulu kuti zvakaitwa zvakanaka, sachigaro wesangano re Zimbabwe Coalition on Debt and Development VaJoy Mabenge vanoti Zimbabwe pane zvimwe zvainosungirwa kuita isati yangokanganwirwa chikwereti. Vanoti izvi zvichazobuda munguva pfupi inotevera. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyika inenge yosungirwa kuvandudza zvakawanda munyaya dzezvehupfumi.

Zimbabwe ine zvikwereti kunze kwenyika zvinosvika mabhiriyoni mapfumbamwe emadhora. Zvichakadaro, VaChinamasa vanoti hurumende ichaita musangano nemasangano ekunze anokweretesa mari nechinangwa chekuti Zimbabwe ikwanise kuwana zvimwe zvikwereti kubva kumasangano aya.

VaChinamasa vanoti Zimbabwe ichashandisa musangano uyu uyo uchaitwa parutivi pemusangano wepagore webhanga reWorld Bank uchaitwa kuLima guta guru re Peru.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi