Vashandi neVashandirwi Vopesana paMutongo weKugumura Vashandi

  • Blessing Zulu

Masangano evashandirwi akaita se Employers Confederation of Zimbabwe neConfederation of Zimbabwe Industries anoti ari kufara zvikuru nemutongo wakaturwa nedare repamusoro soro reSupreme Court neChishanu wekuvabvumidza kugumura vashandi mushure mekuvapa chiziviso chemwedzi mitatu.

Mutongo uyu unopa zvakare vashandirwi masimba ekudzinga basa vashandi pasina kuvapa mari yekuvamisa basa kana kuti retreanchment package.

Asi masangano evashandi anoti dare repamusoro soro ravabaya panyamanhete.

Gurukota rinnoona nezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, vanoti hurumende ichaona kuti mutemo uyu wagadziriswa kuitira kuti vashandi vasabatwa sezvikorobho.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe Industries, VaJohn Mufukari, vanoti vanotambira mutongo wedare uyu.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weConfederation Zimbabwe Industries, VaDavid Norupiri, avo vanoti vashandirwi vange vakatsikirirwa.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLiberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti vanotambira danho redare repamusoro soro iri.

Mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, VaGeorge Nkiwane, vanoti mutemo uyu unodzvinyirira vashandi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya naVaGeorge Nkiwane