Kushaiswa Bhonasi Kokonzeresa Mutauro

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, neMuvhuro vakazivisa kuti hurumende haisi kuzobhadhara vashandi vayo mari dzebhonasi kwemakore maviri anotevera.

VaChinamasa vanoti hurumende yaremerwa nezvinhu uye haichakwanisi kuti irambe ichimanikidza makambani kuti abhadhare mari dzemitero sezvo iwo ari kutatarikawo.

VaChinamasa vanoti mugore ra 2014, hurumende yakabhadhara mabhonasi nemari inosvika zana nemakumi manomwe nemaviri emamiriyoni emadhora.

Asi mapato anopikisa hurumende akaita seMDC-T, Nationalm Constitutional Assembly, pamwe nemasangano akaita seRural Teachers Union of Zimbabwe ari kushora zvikuru danho rehurumende iri achiti kuita izvi kuomesera mushandi.

Hurumende iri kumbotiwo iri kuda kugumura vamwe vashandi kubva pavashandi vayo vanonzi vanosvika mazana mashanu ezviuru.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTskavafira Zhou, vanoti danho rehurumende iri rinoodza moyo.

Asi mutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti zvakaoma kuti hurumende irambwe ichibhadhara vashandi vayo mari nemitero yemakambani ari kunetsekawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTakavafira Zhou naVaJohn Mufukari