VaBiti Vanoti Hupfumi Huchakwira neZvikamu Zvina Kubva Muzana Gore Rino

  • Blessing Zulu

VaTendai Biti

Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, vanoti hupfumi hwenyika huchakura kusvika pazvikamu zvina kubva muzana kwete pa ne 5,6% sezvavainge vambotaura.

Mukutanga kwegore VaBiti vakamboti hupfumi hwenyika huchakura ne 9,4%.

Asi kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzekurima kunonzi ndiko kwopa kuti hupfumi huti derereyi.

VaBiti vaimbenge vatiwo nyaya yekukakavadzana muhurumende yemubatanidzwa uye kushaya mari yekunze ndiko kwainge kwopa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo nyaya yekutaura zvesarudzo dzinonzi dzingangoitwa gore rinouya ichatoita kuti hupfumi hudzokere kumashure.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti zvichanetsa kuti hupfumi hugadzirike kana zvinhu zvisina kugadzirwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuxon Zembe