VaBiti neZanu-PF Votatsurana paNyaya yeMari yeSarudzo

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti

Kunetsana muhurumende yemubatanidzwa panyaya yesarudzo kuri kutarisirwa kuramba kuchikura zvikuru panyaya yekuti mari yekuita sarudzo ichabva kupi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kusimbirira kuti vanoda kuti sarudzo dziitwe gore rinouya muna Kurume kunyange hazvo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari kuti hapana mari yekuita sarudzo dzenyika nedzereferendamu iyo inodarika zana remamiriyoni emadhora.

VaBiti vanoti vave kuzoenda kunopemha mari yesarudzo iyi kunyika dzakaita seBritain, China, Norway nemasangano akaita seUnited Nations.

Asi vakaoma musoro muZanu-PF vanoti izvi zvikaitwa masangano aya nenyika idzi vanenge voda kupindira munyaya dzezve matongerwo enyika dzeZimbabwe.

VaBiti vari kutarisirwa neMuvhuro kupira nyaya yavo kune mamwe makurukota ehurumende pavanenge vachitaura navo nezvebhajeti ravo. VeZanu-PF vanoti vari kuzoramba nyaya yavo pasarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvinafundo John Makumbe vepUniversity of Zimbabwe vanoti zviri kutaurwa neZanu-PF hazvina maturo sezvo nyika yagara iri yekupemha nekutadza kufambisa hupfumi zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Makumbe