Vanotengesera Mumigwagwa Voita hwaKiti naGonzo neMapurisa muHarare

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa ekanzuru yeHarare achisunga vanotengesera mumigwagwa.

Vanotengesera mumigwagwa vanonzi vaswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa ekanzuru, mapurisa eZimbabwe Republic Police, pamwe nemauto, avo vari kurwisa kuda kuburitsa vanotengesera mumigwagwa kubva mukati meguta.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti nhengo dzavo hadzirambi kubuda muguta asi kuti dzinoda kutanga dzapihwa pekutengesera.

Vanoti kanzuru inoita seisina han’ya yekuona kuti vanotengesa mumigwagfwa ava vawanirwa pekutengesera pakakodzera, uye kunosvika vanhu.

Svondo rapera kanzuru yeHarare yakayambira kuti ichabvisa vari kutengesera munzvimbo dzisingabvumidzwi.

Asi vanotengesera mumigwagwa ava vanoti kanzuru yakavarasira kunzvimbo dzisingasviki nevanhu vanotenga zvinhu zvavo, izvo zviri kuita kuti varasikirwe nebhizimusi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi