Zimbabwe Inoti Hupfumi Hwayo Huchakwira neZvikamu Zvishanu neChidimbu Kubva Muzana

  • Thomas Chiripasi

Finance Minister Mthuli Ncube

Zimbabwe inoti iri kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakwira nezvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana gore rinouya.

Izvi zvataurwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, apo vaparura bhajeti renyika regore rinouya remazana mapfumbamwe nemakumi maviri nematatu emabhiriyoni emaRTGS.

VaNcube vati hurumende inotarisira kuunganidza mari inosvika pamabhiriyoni mazana masere nemakumi mashanu nemamiriyoni mazana manomwe (850.7 billion RTGS) asi ichitarisira kushandisa mabhiriyoni mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nematatu (923 billion RTGS).

Vati vanhu havafaniri kushushikana nekuti hurumende ichashandisa mari yakawanda kudarika mari yaichawana sezvo vachashandisa dzimwe nzira kuti mari iyi ikwane.

VaNcube vatiwo vanotarisira kuwana rutsigiro rwemazana manomwe nemakumi matanhatu nemana emamiriyoni emadhora ekuAmerica (US$764million) kubva kumasangano nenyika dzinopa rubatsiro.

Vati kurima, nekutengesa zvicherwa, kugadzira nekutengesa zvinhu kunze kwenyika ndizvo zvimwe zvichaita kuti nyika iwane mari

Mapazi ezvekurima nedzidzo yepasi ndiwo awana mari dzakawandisa uye apihwa 124 billion RTGS pabazi rimwe.

VaNcube vapa bazi rehutano mabhiriyoni 111.7 emaRTGs vachiti vasara padiki diki kusvika pazvikamu gumi nezvishamu zvebhajeti rese izvo zviri zvinosungirwa nechisuungo cheAbuja Declaration.

VaNcube vapawo mari yakawanda kumaguta nemadhorobha vachiti anofanira kuvandudza mabasa ekupa vanhu mvura yakachena, kugadzira migwagwa kuti vanhu vagare zvakanaka.

Kunyange hazvo mamwe makomisheni akazvimirira apihwa mari dziri pasi pebhiriyoni kana dziri pamusoro zvishoma, Zimbabwe Electoral Commission yapihwa maRTGS 11.6 billion sezvo pachitarisirwa kuitwa sarudzo dzemaBy-Elections.

VaNcube vatiwo vanoda kuti vashandi vagare zvakanaka nekudaro vashandi vanotambira mari iri pasi pe30 000 RTGS havachabhadhari mutero.

Vatiwo vashandi vanohora mari iri pasi pe100 000 RTGS vanowana bhonasi vasingatirwi mutero.

VaNcube vataura nzira dzakawanda dzekuunganidza mari dzinosanganisira kubata mutero pafodya kuti mari yacho igoshandiswa kurapa zvirwere zvakaita segomarara.

Izvi zvatambirwa nemufaro nevakawanda vanosanganisira sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode.

Asi Dr Labode vati havana kufara nemari yapihwa kubazi rezvehutano vachiti mari iyi ishoma kana pachitariswa kuti denda reCovid 19 richipo.

VaJohnson Madhuku, vanove nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, vati vafara nemari yapihwa kubazi rezvehutano vachiti zvichasimudzira dzidzo munyika.

Asi sachigaro wekomiti inoona nezvemhando dzemoto, VaJoel Gabuza, vati kunyange hazvo bhajeti rakanaka, chakakosha kuti mapazi ehurumende apihwe mari idzi vachiti kusvika pari zvino mapazi akawanda apihwa zvikamu makumi matatu chete kubva muzana zvemari dzebhajeti regore rino.

Bhajeti raturwa nhasi rinofanira kupasiswa nematare eNational Assembly neSenate kuitira kuti ritange kushanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya