Kusagadzikana kweZvinhu Mune zveUpfumi Kwokonzera Kukwira kweMitengo yeZvinhu

  • Jonga Kandemiiri

Vezvitoro vakawanda vanonzi havazodzikisi mitengo yezvitengeswa zvavo kana zvinhu zvagadzikana.

Kuramba mari yenyika ichishaya simba zvichienzaniswa nemari yekunze kunonzi kuri kukonzera kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire, izvo zvinonzi zvave kupa kuti vakawanda munyika vanonge svosve nemuromo.

Svondo rapera dhora rekuAmerica rimwechete raitengwa pamusika mutema nemadhora emuZimbabwe makumi maviri nemashanu, izvo zvinonzi zvakazunguza misika yakawanda.

Svondo rino zvnhu zvinonzi zvinenge zvagadzika zvishoma sezvo dhora rimwechete rekuAmerica ranga richitengwa nemadhora gumi nemanomwe emari yemunyika.

Nyanzvi mune zveupfumi, uye vakambotungamira sangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare vanoti kushaya simba zvakanyanya kwemari yemunyika kwakaitika svondo rapera kwakakonzerwa nevaitenga mari yekunze.

VaMufukare vanoti mari iyi yaidiwa muzvirongwa zvehurumende zvakaita sechekurima che command agriculture, uye kutenga dzimotokari dzemakurukota ehurumende.

Vanoti zvakaitika svondo rapera izvi zvekutenga marti pamusika mutema nemutengo upi unenge wataurwa neari kutengesa zvinoratidza kuti hapana kurongenga kudivi rehurumende sezvo yaiziva kuti ichada mbeu yekugovera kuvanhu.

Kukwira kwemitengo yezvinhu zvisina shumo uku kunonziwo nevanorarama nehurema kuri kuvaomesera zvakanyanya, sezviri kutaurwa naAmai Farai Cherera vanotungamira sangano reNational Council of the Disabled Persons of Zimbabwe.

Amai Cherera vanoti nhengo dzesangano ravo zhinji ndinorarama nekuzviitira mabasa emaoko, ayo asingadziwanise mari yakawanda zvekuti zvinhu zvakakwira mitengo zvinovasiya pakaoma.

Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitamba, avo vanoti vanhu vacharamba vachiomerwa nekuti kazhinji kana mitengo yezvinhu yakwira haidzike kunyange zvinhu zvakagadzikana.

Mamwe makambani nemabhizimusi anonzi ave kutosarudza kuvhara pane kuti arambe akavhura asi asina chaari kuburitsa.

Makambani mashoma asara achiri kushanda anonziwo ave kunzwawo kurema kwezvinhu izvo zvave kuita kuti anetseke kuwana mari yekunze yekuti atenge zvikwanisiro zvaanoda.

Varimi vanonzi havasi kusiiwa kunze mumatambudziko aya, sezvo vari kutadza kutenga mbeu nefotereza nekuda kwekukwira kwemitengo.

Tsaga rembeu rine huremu hwemakirogiramu makumi maviri nemashanu rinonzi riri kutengeswa nemari inodarika chiuru chemadhora emunyika, panguva iyo vashandi vazhinji vachitakura kudzimba mari iri pasi pechiuru chemadhora pamwedzi.

Mafuta edzimotokari anonzi akakwira zvakare neMuvhuro svondo rino, izvo zvinonzi zvakasiya rita repeturu rave kutengeswa nemadhora gumi nemasendi makumi mashanu nemashanu, dhiziri richiendawo pamadhora guni nemaviri emari yemunyika.

Doctor Chitambara vanoti hapana matanho angatorwa nehurumende kana nebhanga guru renyika reRBZ angapedza dambudziko iri nekukasika nekuti hapana hwaro huripo hwakati tswikiti panyaya dzekutengeswa kwemari dzekunze.

Kunze kwekunge hurumende yawaridza shanduko dzinooneka kufamba kwadzo munyaya dzekufambiswa kwemari dzekunze, kurwisana nehuwori, uye shanduko mune zvematongerwo enyika, nyaya dzeupfumi munyika dzinonzi dzicharamba dzisina kugadzikana vanhu vachiramba vachitambura kwenguva ndefu iri kutevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri