Vashandi veNRZ Vochemachema neKusabhadharwa Mari dzavo

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo

Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vanoti vanga vachitarisira kuti hurumende ichabatsirawo kambani yavo mukuona kuti vashandi vayo vawaniswa mihoro yavo, iyo yave nemwedzi inodarika gumi nemishanu vasati vatambiriswa.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vashandi veNRZ, reZimbabwe Amalgamated Railways Workers Union, VaKamurai Moyo vanoti vashandi veNRZ vari kushupika zvakanyanya zvekuti hurumende iri kuzviona asi hapana matanho airi kutora ekugadzirisa dambudziko ravo.

"Tanga tichitarisirawo sevashandi kuti hurumende inofanirwa kubatsira railways kuti vabhadharewo chimwe chikwereti chedu, nekuti iye zvino vanhu vari kufa, vanhu vari kurwara, vamwe vari kusiya mabasa nezira dzakasiyanasiyana, vachingosiya zvikwereti kurailways," VaMoyo vanodaro.

Sachigaro vebhodhi reNRZ, VaLarry Mavhima, mwedzi wapera vakatenda kuti kambani yavo iri kukundikana kubhadhara vashandi vayo mari dzemihoro idzo dzave kudarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora, nekuda kwekuti haisi kushanda zvakakwana.

VaMavhima vakazivisawo kuti dare remakurukota rakavapa mvumo yekuti vatsvage vanoda kubatana navo mumatanho avo ekumutsiridza kambani iyi.

Asi VaMoyo vanoti hurongwa hwekuti kambani yeNRZ ibatane nevamwe vane mari hahuna kuipa, kana chete vashandi vasingazorasikirwa nemabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKamurai Moyo

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo vanoti ichokwadi kuti NRZ ine chikwereti chevashandi chemari yakawanda, asi kambani iyi haisi kuita mari.

"Mari inotambirwa navashandi inobva pabasa ravanoita. Kana pasina basa ravanoita hapana mari inouya, nokuti inobva kuna ani? havana basa," Doctor Gumbo vanodaro.

Vanoti hurumende iri mushishi kutsvaga vanoda kubata neNRZ, asi vanowedzera vachiti pari zvino kambani iyi inotove nevashandi vakawandisa iyo isisina basa.

Doctor Gumbo vanoti makambani aisimbopa NRZ basa akaita seemarasha, eshuga neesimende haacha basa raanoipa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Joram Gumbo