Gurukota rezveMari, VaMthuli Ncube Vanomisa VaLumumba Basa

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanonzi vanyorera tsamba VaAcie Lumumba vachivamisa basa ravakanga vambovapa mazuva matatu adarika.

Muzvinafundo Ncube vakanga vadoma VaLumumba kuti vave sachigaro wekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi ravo, asi kudomwa uku kunonzi mutsamba yaVaNcube iyi kwakanga kusingafambirane nehurongwa hwekupinzwa basa kwevashandi vehurumende.

Patataura naVaLumumba, vati vanga vasati vatambira mashoko ekuti vamiswa basa aya vachiti vachiri kuita basa ravakadomerwa, kunze kwekunzwa nebepanhau reHerald pamwe nemashoko akaburitswa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko.

VaLumumba vakafumura huwori hwavanoti huri kuitwa nevakuru-vakuru vekuReserve bank of Zimbabwe.

Vanhu ava vanoti VaMirirai Chiremba, VaNorman Mataruka, VaGresham Muradzikwa naVaAzvinandawa Saburi, avo vanonzi vakatombomiswa mabasa nagavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya, kuitira kupa mukana wekuti vaferefetwe.

VaLumumba vanoti vachaenderera mberi vachifumura vanhu vavanoti vari kudzosera nyika kumashure nekuita zvehuwori.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAcie Lumumba