VaChinamasa Voparura Bhajeti neMusi weChina

  • Blessing Zulu

VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa nemusi weChina svondo rino vari kutarisirwa kuparura bhajeti renyika regore rinouya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvichaomera vachinamasa kuita nekuti hupfumi hwaenda kumawere.

Bazi rehurumende rinounganidza mari dzehurumende reZimbawe Revenue Authority riri kutatarika zvakanyanya kuti riunganidze mari. Izvi zviri kukonzerwa nenyaya yekuti makambani akawanda ari kuvharwa uye nyaya yekuti hurumende iri kushandisa mari yakawandisa pane iri mudura.

Mari yakawanda yehurumende iri kuenda mukubhadhara vashandi uye hapana iri kusara kugadzira zvivakwa zvakaita semagetsi, migwagwa nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr Godfrey Kanyenze vanoti zvinhu zvakaomera VaChinamasa asi vanofanira kukoshesa zvirongwa zvinobatsira varombo.

Zvichakadaro, kunyangwe hazvo bazi reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT riri kuti mumwedzi wapera Zimbabwe yakatengesawo zvinhu zvakati wandei kune dzimwe nyika pane zvairi kutenga, zvinhu panyaya yekugadzirisa zvekutengesa kunze hazvina kumira zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze

Zimbabwe iri kutenga zvinhu zvinodarika mabhirironi mashanu kune dzimwe nyika zvikuru kubva kuSouth Africa neSingapore asi zvairi kutengesa zvishoma zvikuru. Iyo Zimbabwe inonzi iri kutengesa zvinhu zvinosvika mabhiriyoni maviri chete.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaProsper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kutenga zvakawanda kunze zvichapa kuti chikwereti chine Zimbabwe chirambe chichikwira.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaWashington Mehlomakulu vanoshanda nesangano reResource Exploitation Watch vanoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa maindastiri ayo kuti ikwanise kutengesa zvinhu zvakawanda kunze kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya naVaProsper Chitambara naVaWashington Mehlomakulu