VeMabhizimusi Vokurudzirwa Kutengesera Kunze Kuti Vawane Mari yeKunze

  • Blessing Zulu

Vanogadzira zvinhu vari kukurudzirwa kuti vasangmira neRBZ chete pakutsvaga mari yekunze

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti vemabhizimisi vanofanira kukoshesa kutengesa zvinhu kunze kwenyika kuti vawane mari yekunze, kwete kuramba vakatarisira kununurwa neReserve Bank of Zimbabwe.

Mashoko aya anopesana neakataurwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi, ekuti mabhizimisi ekuBulawayo ainge achishanda ari pazvikamu makumi mana kubva muzana chete, uye vainge vaine hurongwa hwekuenda kuRBZ kunoti makambani aya abatsirwe nemari.

RBZ iri kutatarika kuwana mari uye ikozvino yamirira mari inobva mukutengeswa kwefodya.

Zimbabwe iri kutatarika kuwana vekunze vanoda kuzouchika mari kana kuti Foreign Direct Investment.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCallisto Jokonya