Kunetsa kweMari Munyika Kwoita Kuti veMabhanga Vape Musvo weMasendi

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vari pamutsetse pane rimwe bhanga vakamirira kutora mari dzavo

Kuenderera mberi kwedambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga emunyika kunonzi kwave kupa kuti mamwe mabhanga ape vanenge vachitora mari dzavo kumabhanga mari dzinosvika zana remadhora pazuva dziri dzemusvo wemasendi gumi.

Asi izvi zvinonzi hazvisi kuderedza kureba kwemitsetse kumabhanga, kunyange hazvo mabhanga ari kukwanisa kupa vanhu mari dzemusvo idzi.

Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chimwe chiri kuwedzera dambudziko remari munyika inyaya yekuti makadhi ekumabhanga haasi kukwanisa kushandiswa kumaruwa, uko vanhu vachiri kuda kushandisa mari chaiyo.

Doctor Chitambara vanoti chikuru chiri kuita kuti dambudziko rirambe raita ndambirira sehosha yekurwere kushaya chivimbo munyaya dzezveupfumi hwenyika kuri kuitwa nevanhu.

Doctor Chitambara vanoti vanokurudzira kuti dai hurumende yarasa ma bond note, yoshandisa mari yeRand yekuSouth Africa, zvimwe dambudziko remari raipera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara