Nyanzvi dzeHupfumi Dzotambira Mutemo Mutsva Unochengetedza Kodzero dzeVatengi

  • Jonga Kandemiiri

Amai Nzenza

Nyanzvi mune zveupfumi dziri kutambira nemufaro mutemo wakadzikwa neChitatu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, dzichiti mutemo uyu wakanaka chose sezvo uchibatsira mukuunza chivimbo kuvatengi pamwe nekudzikamisa misika.

VaMnangagwa vakaparura mutemo uyu, uyo unonzi uchachengetedza vatengi kuburikidza nekuvepo kweboka reConsumer Protection Agency pamwe nekuumbwa kwemasangano anomirira kodzero dzevatengi.

Vachitaurawo pakuparurwa kwemutemo uyu, gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, vakati mutemo uyu unotsvaga kuvepo kwenhandare yakaenzana kune vese, vatengi nevemabhizimusi.

Mutemo uyu wakaparurwa pasi pedingindira rinoti "Protect and Promote Health, Safety and Rights of the Consumer".

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mutemo wakaparurwa uyu wakanakira zvikuru veruzhinji munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara