Kambani yeECONET Inozivisa Kuti Yavhariswa Zvakare Masaisai neHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Kambani yenharembozha yeECONET inoti yavhariswa zvakare masaisai nehurumende, kunyange hazvo paine nyaya iri kumatare edzimhosva.

Mashoko atiri kutambira anoti kambani yenharembozha yeECONET yamanikidzwa zvakare nehurumende kuvhara masaisai eindaneti kusvika yazoziviswa matanho ekutora.

Kambani iyi yaburitsa mashoko ayatumira kuvanhu vanoshandisa masaisai ayo ekuti yamanikidzwa zvakare kutora danho iri kunyange hazvo nyaya yekuvhariswa kwayakaitwa masaisai kekutanga iri kumatare edzimhosva.

ECONET inoti magweta ayo aiudza kuti itevedzere zviri kudiwa nehurumende izvi kusvika vanzwa zvichabva kumatare edzimhosva kuti zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Kambani iyi yakumbira ruregerero kuvanhu ichiti izvi zviri kunze kwemasimba ayo.