Mapurisa Anotadzisa Nhengo dzeOccupy Africa Unity Square Kuratidzira

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe Missing Activist

Mapurisa atadzisa nhengo dzeOccupy Africa Unity Square kuratidzira mu Harare idzo dzinoti hadzisi kufara nekurohwa kwakaitwa VaPatson Dzamara neMuvhuro nevanofungidzirwa kuti vasori.

Mapurisa atadzisa nhengo dzeOccupy Africa Unity Square kuratidzira mu Harare idzo dzinoti hadzisi kufara nekurohwa kwakaitwa VaPatson Dzamara neMuvhuro nevanofungidzirwa kuti vasori.

Izvi zvakaitika kumhemberero dzekusvitsa kwakaita nyika makumi matatu nematanhatu yawana kuzvitonga kuzere.

Mapurisa aya, ayo anga akapakatira zvombo anonzi atadzisa nhengo dzeOccupy Africa Unity Square, kana kuti OAUS, kuitira kuti dzisaratidza mu Africa Unity Square madzanga dzichida kuratidzira nhengo dzeparamende dzichipinda mudare iri.

Imwe nhengo yeOAUS, Va Charles Nyoni, vaudza Studio 7 kuti pavanga voungana ndipo pasvika mapurisa anga ari mumarori akapakatira zvombo akavarambidza kuratidzira kwavanga vachida kuita.

Va Nyoni vanoti sangano ravo harisi kufara nekurohwa kwakaitwa Va Patson Dzamara kuNational Sports Stadium kwakaitwa mhemberero dzekusvitsa kwakaita nyika makore makumi matatu nematanhatu Zimbabwe yawana kuzvitonga.

Va Dzamara, avo vanove munin’ina wemutungamiri weOAUS, Va Itai Dzamara, avo vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori gore rapera, vakarohwa nevanofungidzirwa kuti vasori zvakare mushure mekunge vawanikwa vakatakura chinyorwa chaiti Zimbabwe yakasununguka asi zvizvarwa zvayo zviri muhutapwa.

Gweta raVaPatson Dzamara, VaGift Mtisi, vanoti Va Dzamara vakarohwa nevanhu vavasingazivi pavairatidzira kuNational Sports Stadium vakazopatika vave mumaoko emapurisa ayo akaenda navo kukamba yeHarare Central.

VaDzamara vanonzi vakasiyiwa nemapurisa vasina mhosva yavapomerwa ndipo pavakazoenda kuchipatara uye vanonzi vakakuvara ziso uye vakazvimba pasi petsoka.

VaDzamara vanonzi vave kutova maronda vari kumba zvichitevera kurapwa kwavakaitwa nezuro manheru.

Imwe nhengo yeOAUS, Va Irvin Takavada, vaudza Studio 7 kuti vachiri kushikana nekushayika kwakaita Va Itai Dzamara.

Vaenderera mberi vachiti hurumende inofanira kuchengetedza vanhu sezvinotaurwa nebumbiro remitemo yenyika kwete zvekuti vanhu vanozvambaradzwa nekupambwa pasina kana anosungwa nemhosva idzi.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba vaudza Studio 7 parunhare kuti mapurisa haana chaanoziva nekurohwa kunonzi kwakaitwa Va Patson Dzamara neMuvhuro uye vati sevanhu vanochengetedza mutemo vari kushushikanawo zvikuru nekusawanikwa kwaVa Itai Dzamara.

Vatiwo havana chavanga vachiziva nezvekuratidzira kwanga kuchida kuitwa neOAUS.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi