Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 Hworamba Huchikwira

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yakazivisa neChitatu kuti huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevashanu vaine chirwere ichi.

Vanhu vakavhenekwa chirwere ichi nezuro vanosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu negumi nevaviri, kana kuti 2 612.

Vanhu vakanga vapora kubva kuchirwere ichi kusvika nezuro vaive mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 395, uye vashaya vachiri makumi maviri.

Mumwe chiremba, Dr Edgar Munatsi, avo vari ku Britain, vanoti dambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vave kuwanikwa vaine chirwere ichi, zvikuru muvanhu vagara vari munyika, richanetsa kudzivirira nekuti vanhu vanga vasiri kutevera zvakadzama mitemo yekuvhara kumeso pamwe nekugeza maoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Edgar Munatsi