VaDonald Trump Vanotambira Kudomwa Kwavo Kuti Vakwikwidze Zvakare Musarudzo uyeMutungamiri weAmerica.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

US President Donald Trump delivers his acceptance speech for the Republican Party nomination for reelection during the final day of the Republican National Convention from the South Lawn of the White House on August 27, 2020 in Washington, DC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRegis Charumbira veZanu PF naVaTawanda Dzvokora veMDC Alliance

Vachange vakamirira bato reRepublican Party musarudzo yemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakaambira neChina manheru zviri pamutemo kudomwa kwavakaitwa nebato ravo.

Izvi zvakaitika kumuzinda weWhite House kumapeto emusangano weRepublican National Convention.

Mutevedzeri waVaTrump, VaMike Pence, vakatambirawo zviri pamutemo chinzvimbo ichi neChitatu manheru.

Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, Va Regis Charumbira, vanoti mawonero avo ndeekuti VaTrump vanokwanisa kukunda musarudzo muna Mbudzi sezvo zvavakataura zvekumutsiridza hupfumi uye nekutaura kuti zvido zveAmerica ndizvo zvakakosha zvichikwanisa kuvabatsira.

Sachigaro weMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanotiwo vanga vakateerera zvakanyanya kuhurongwa hwaVa Trump sezvo zvinotaurwa panguva yakadayi zvichiz kwanisa kunyudza kana kwidziridza vanenge vachikwikwidza musarudzo.

Vanotiwo vakafadzwa nezvimwe zvizhinji zvakataurwa naVaTrump kunyange hazvo ivo vachifarira rimwe bato rinopikisa reDemocratic Party, iro richange richimirirwa musarudzo yemutungamiri wenyika, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRegis Charumbira veZanu PF naVaTawanda Dzvokora veMDC Alliance