VaTrump Votarisirwa Kuita Musangano Mukuru NaVaKim Jong Un kuSingapore

Mutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong Un

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong Un Chipiri mangwanani kuSingapore.

Musangano uyu uchave wekutanga pakati pevatungamiri venyika mbiri idzi uye wakatarisana nekuti North Korea imire kugadzira zvombo zve nuclear.

Zvimwe zvichakurukurwavo zvinosanganisa kupedza zviri pamutemo hondo pakati pe North Korea neSouth Korea.

America neNorth Korea dzine makore akawanda dzisingawirirani asi VaTrump vanoti musangano uyu uchaita kuti nyika mbiri idzi dzichitanga kutauridzana.

Nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield University kuBritain, Doctor Nkululeko Sibanda vaudza Studio 7 kuti havaone paine chikuru chonoburitswa nemusangano pakati pevarume vaviri ava.

“Kim Jong Un hatingazive kuti akamira papi. Ndinofunga kuti anorevesa kana achiti ave kuda kutaudzana nedzimwe nyika achigadzirisa kudyidzana nedzimwe nyika nokuti kana nyika yave nezvombo zve ‘nuclear’ inenge yasarirwa nechinhu chimwe chokuti dzimwe nyika dzizive kuti tamira takadari, saka motipawo chiremekedzo chatinoda nekuti tave nezvombo zvikuru. Ndinofunga ndozviri kutsvagiwa neNorth Korea izvozvo," Doctor Sibanda vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaDoctor Nkululeko Sibanda