VanaChiremba Vanoti Zvinhu Zvave Kugadzikana muZvipatara zveHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Vanachiremba vachiratidzira muHarare mwedzi wapera

Vanachiremba, avo vakanga vachiramwa mabasa mwedzi wapera, vanoti zvinhu zviri kugadzikana muzvipatara kubva pavakawirirana nehurumende vakazobvuma kudzokera kumabasa kutanga nemusi weMugovera.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Amos Tsopo, vanoti zvipatara zvehurumende zvikuru zvinoti Harare Central neParirenyatwa muHarare, zvatanga kutambira varwere, uye vanotarisirawo kuti zvipatara zvose zvemunyika zvinenge zvave kushanda kubva Chipiri, sezvo vanachiremba vose vachange vadzokera pamabasa.

Doctor Tsopo vanoti vanachiremba vakazobvuma kudzokera kumabasa mushure mekuwirirana nehurumende pamari dzekubatsirikana kana vachinge vashanda usiku, kana kuti on-call allowance, dzavaiti vanoda kuwedzerwa, pamwe nezvimwe zvakaita sekuti muzvipatara muwanikwe mishonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Amos Tsopo

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Amos Tsopo