Vamwe muZanu PF Vogunun'una Vachiti Sarudzo dzeMatunhu Hadzina Kuitwa paJekerere

Sarudzo dzebato reZanu-PF dzematunhu dzakaenderera mberi nezuro kunyange kune dzimwe nzvimbo vatsigiri vebato iri vaikandirana makobvu nematete.

Izvi zvakabuda kumatunhu akaita seMasvingo vachiti pane kubiridzirwa kuri kuitika.

Kuverengwa kwemavhoti kwakatotanga nezuro uye nhasi mazita evamwe vakakunda anenge ozikanwa.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri webato iri, VaChris Mutsvangwa, vati murongi wemisangano, VaMika Bimha, vavaudza kuti sarudzo dzainge dzafamba zvakanaka kunyangwe vakatenda kuti painge paine zvimhingamupinyi mune dzimwe nzvimbo, kusanganisirawo kutadza kuitwa kwesarudzo nenyaya yekunaya kwemvura mudunhu reMidlands.

KuMashonaland West kwainge kuine mamwe matambudziko akapa kuti sarudzo dzinonoke kuitwa.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi vanoti hapana chinonetsa mubato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi

Asi vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaNick Mada, vanoti, Zanu-PF irikutadza kuita sarudzo dzakachena mubato rayo, izvo vanoti vatsigiri vebato iri varikuzvitaurira vega pachena. VaMada vanoti, naizvozvo, vanhu vanoda kuziva kuti bato iri rinogona kuita sarudzo dzakachena munyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Mada