Vakaremara Vanoda Kuti Hurumende Ivape Bazi Ravo Vega

Masimba Kuchera

Masangano anorwira kodzero dzevakaremara anoti vanoda kuti hurumende ivape bazi negurukota rakangomirira nyaya dzevakaremara bedzi nekuti vanoti vave nemakore akawanda hurumende isinganzwi kana kugadzirisa zvichemo zvavo.

Masangano aya anotarisira kuti hurumende itsva yavepo ichateerera uye kuti ichanzwisisa zvichemo zvevakaremara.

Mukuru weCenter for Disability Development, VaMasimba Kuchera, vanoti batsiro yavanoda haisi yekupiwa zvinhu pachena asi chavanoda ndechokupiwa mikana yekuzviitira zvinhu vega.

VaKuchera vanoti kunze kwekuti mutungamiri wenyika adoma gurukota rinomirira nyaya dzevakaremara, zvinhu zvichatora nguva kuti zvinakire vakaremara.

“Kana paita Ministry, tinoona kuti, chekutanga, panenge pave nemukana wekuti titaure nyaya dzinotinetsa. Chechipiri, tikapiwa Ministry yedu izere, zviunza yatinoti ‘focus’ kunyaya dzevanhu vakaremara.

“Tinenge tavekuonekwa sevanhu vane kodzero kwete sevanhu vanongomirira kutambidzwa nehurumende," VaKuchera vakaudza Studio7.

VaKuchera vanoti kunyange vemabhizimusi vanoda kupa mabasa kuvanhu vakaremara, vanenge vave nenzvimbo inokudzikara yekuita mabasa akadayi nevakaremara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Masimba Kuchera